Amos 6

Vane nhamo vakavarairwa

1Mune nhamo imi makavarairwa muZioni,
nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria,
imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru,
kunoenda vanhu veIsraeri!
2Endai kuKarine mundoritarisa;
muchibvapo moenda kuHamati guta guru,
uye mozodzika kuGati muFiristia.
Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here?
3Munoti zuva rakaipa ngarirege
kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira.
4Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou,
muchizorora pazvigaro zvenyu.
Munodya makwayana akaisvonaka
nemhuru dzakakodzwa.
5Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi,
uye munozvigadzirira zviridzwa.
6Munonwa waini yakawanda,
muchizora mafuta akaisvonaka,
asi hamuchemi nokuda kwamatongo aJosefa.
7Naizvozvo muchava pakati pevachatanga kuenda kuutapwa;
mabiko enyu nokuzorora kwenyu zvichapera.

Jehovha anosema kuzvikudza kwaIsraeri

8Ishe Jehovha akapika naiye pachake, Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti,

“Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho,
uye ndinovenga nhare dzake;
ndichaisa guta kuvavengi
nezvose zviri mariri.”
9Kana varume gumi vakasiyiwa muimba imwe chete naivowo vachafa. 10Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.”

11Nokuti Jehovha akarayira,
uye achaparadza imba huru igoita murwi,
nemba duku igoti mwarara.

12Ko, mabhiza angamhanya paruware here?
Ko, pane angaparima ipapo nemombe here?
Asi makashandura kururamisira mukakuita muchetura,
nechibereko chokururama mukachiita gavakava,
13imi munopembera pakukundwa kweRo Dhibhari uye munoti,
“Hatina kuzvitorera Karinaini nesimba redu here?”

14Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti,
“Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri,
ruchakutambudzai panzira yenyu yose,
kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.”
Copyright information for SnaBDSC